Job 19

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Mucharamba muchinditambudza
uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?
3Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza;
munondirwisa musina nenyadzi dzose.
4Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka,
kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.
5Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu
mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,
6zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira
uye akandikomberedza nomumbure wake.

7“Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro;
kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
8Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura;
akaisa rima munzira dzangu.
9Akandibvisira kukudzwa kwangu,
uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera;
anodzura tariro yangu kunge muti,
11Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu;
anondiverenga pakati pavavengi vake.
12Mauto ake anouya nesimba;
anovaka muchinjiziri wokurwa neni,
anokomba tende rangu.

13“Akaisa hama dzangu kure neni;
vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
14Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni;
shamwari dzangu dzandikanganwa.
15Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure;
vanondiona somutorwa.
16Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri,
kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.
17Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu;
ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
18Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka;
pandinosvika vanondituka.
19Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema;
vaya vandinoda vandishandukira.
20Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa;
ndangopunyuka napaburi retsono.

21“Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu,
ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
22Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari?
Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

23“Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo,
dai ainyorwa hawo mubhuku,
24dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu,
kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!
25Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu,
uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
26Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;
27ini pachangu ndichamuona
nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe.
Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!

28“Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei,
sezvo mudzi wenhamo uri maari,’
29munofanira kutya munondo imi pachenyu,
nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo,
ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”
Copyright information for SnaBDSC